top of page

‘NDAKAFA NDIKAMUKA’…Anongorota vanhu vakafa

  • Jun 15, 2016
  • 3 min read

PANE murume wekuMt Hampden, pedyo neHarare, ari kuti akafa, ndokuchemwa kwehusiku hwose, asi ndokuzomuka rechimangwana racho vanhu vave kupedzisa hurongwa hwekunomuviga kumakuva uye kubva apa ava nedambudziko rekurota hama dzake dzakafa.

Blessing Manyanga (30), uyo anoshanda pakambani inokanya zvidhinha yeBeta Bricks, kumusha achibva kwaSvosve kuHwedza, anoti mashura aya akaitika ari kumusha kwake uko ava kutya kudzokera.

Anoti sezvinonzi mashura ekufa achimuka mashoma, ava kugara achirota hama dzake dzakafa dzinosanganisira ambuya, amai vababa vake, avo vaanoona kuhope vakamutarisa asi vasingataure.

Manyanga anoti zvakatanga apo vainetsana nemumwe murume nekuda kweminda iyo vakapihwa neHurumende pasi pechirongwa chekugovera vanhu minda.

“Ndakatanga kunetsana nemumwe wevavakidzani wangu nekuda kwehoko yemuganhu wemunda kusvikira nyaya iyi yakaendeswa kwasabhuku wedu Kireto Mukwenha,” anodaro.

Anoti pavaikakavadzana vachidzura hoko dzemuganhu, iye akazodonha achiita seaiva abatwa nemagetsi panova pakatanga dambudziko rake.

“Ndadonha kudaro, ndakamuka ndokunotaurira baba vangu, VaSteven Manyanga, namukoma wangu Lovemore Manyanga, zvainge zvaitika apo ndakadzura hoko iyi. Kubva ipapo ndakabva ndatanga kurwara.

“Ndisati ndaenda kunodzura hoko iyi, mukoma wangu akange ambondiudza kuti nditange ndaitira dope pahoko iyi senzira yekufumura mhiko dzaiva dzaiswapo sezvo aiti ane hope dzakaipa idzo aisangana nadzo.”

Panguva yaakadzura hoko iyi, anodaro Manyanga, pamusoro pake pakadarika nechapungu chichibhururuka nepasi-pasi sechichamumhara mumusoro izvo anoti zvakazouya zvakare kuhope dzake manheru akatevera.

Anoti akazoendeswa kukiriniki yeLastridge uko akanga ava kutadza kuzvibatsira achida mvura yakawanda.

“Semunhu ndakaendeswa mangwanani musi uyu, ndinonzi ndakangopunzika na11 mangwanani iwayo sendafenda ndokubva vakoti vaudza mukoma wangu kuti ndaiva ndafa. Mutumbi wangu unonzi wakazoendeswa kumba kwanasekuru vangu kwaChop-Chop uko shoko rekuti ndaiva ndafa rakaparidzirwa kuhama dzose,” anodaro.

“Mutumbi wangu unonzi wakaiswa mukati memachira vanhu ndokutanga kuchema apo vechikuru vanonzi vakatarisa mutumbi wangu vakawirirana kuti ndaiva ndafa.”

Sezvo mutumbi wake wakanga waendeswa kwanasekuru vake, anoti amai nababa vake vakaziviswawo ndokuwirirana kuti achavigwa kupi.

“Vanhu vakamhanya-mhanya kutsvaga bhokisi rekuti ndivigwe rechimangwana racho. Ini ndakafa kudaro, ndakanzwa izwi raibva kune munhu wandisina kuona richitaura apo kwaiva nenzvimbo mbiri dzaiti yakaoma kuruboshwe neyaiva neruvara rwegreen kurudyi.

“Izwi iri rakanditi ndiende kudivi rekurudyi kwaiva negreen ndichinzi dzokera kunyika unoparidzira vanhu shoko raMwari. Ipapo ndakabva ndapatika paiva pakarariswa mutumbi wangu mumachira apo vamwe ambuya vaiva vakarindira chitunha changu nevamwe vakaona kufema kwangu vachibva varidza mhere,” anodaro Manyanga.

“Ndakamuka ndisina simba ndokubva ndaedzwa kumutswa ndikatadza kusimuka, ndokurariswa nedivi apo ndakabva ndazviitira tsvina neweti. Ndakashambidzwa ndokuzopihwa bota dete nambuya vangu, Mai Rosemary Shambamuto, iro ndakanwa zvishoma.”

Anoti mudzimai wake, Vivian Chigwiyo Majiwa, akanga aripo pakaitika mashura aya.

Murume uyu anoti amuka kudaro, hama dzake dzakatanga kumhanya kumaporofita kunobvunzira mashura aya apo akazotakurwa nebhara kuendeswa kune mamwe masowe ari munzvimbo iyi. Akazonamatirwa akadzoserwa kumba uko anoti akasvikowana vanhu vaiva vauya kunhamo kwake vawanda.

“Vamwe vaitya kusvika padyo neni, vamwewo ndivo vaiita chivindi chekundikwazisa vachida kunzwa kuti ndaiva munhu chaiye here.”

Manyanga anoti akazotakurwa nengoro ndokuendeswa kumusha kwevabereki vake uko akanonzi nemumwe muporofita asagare mumba.

“Ndakaita svondo ndichigara ndakavigwa musango remiti yemichero pamba pevabereki umo ndaizobva manheru ndichipinda mumba, vanhu vaiuya vachida kundiona vainzi handipo,” anodaro.

“Ndapona, ndakadzokera kumba uko ndakatanga kuona nyoka hombe tsvuku nenhema dzaingogara dzichipiringishana pamba pangu. Zvakazondiremera nekutyisa ndokutorana nemudzimai wangu nevana vaviri ndikatiza kumusha ndokuuya kuno kuHarare uko ndave kushanda.”

Anotizve dambudziko rake guru nderekurota mbuya vake amai vababa, Idah Manyanga, vachingomutarisa vachiratidza hasha uye vakamunongedzera avo vakafira kumusha kwavo kuZviyambi East.

“Hama dzangu, kusanganisira vabereki vangu nababamudiki Lovemore Manyanga, vari kundiregerera. Izvozvi ndave kunamata kuti ndikunde miedzo iyi. Asi ndinotenda zvikuru mudzimai wangu Vivian Chigwiyo Majiwa anondishingisa nekuda kwechiitiko ichi uyewo anomira neni mumatambudziko aya,” anodaro.

Muna Chikumi wegore rapera, Kwayedza yakaburitsa imwe nyaya yemwanasikana wekuGokwe aive nemakore 14 okuberekwa uyo anonzi akafa kwemazuva matatu, ndokumuka asi ndokuzofa zvakare.

Ashel Abigail Zananda (14) aigara nevabereki vake kwaSabhuku Sigali anonzi akafa ndokumuka apo mutumbi wake waive mubhokisi. Anonzi paakamuka, akadya bota nekunwa mvura asi azonofa zvakare aendeswa kuchipatara chiri munzvimbo iyi.


Comments


Donate with PayPal
Follow Zimditvnews
  • Facebook Social Icon
  • Twitter Social Icon
  • YouTube Social  Icon

Join zimditvnews Facebook group for Breaking News and Updates also subscribe to our youtube channel zimditvnews zimbabwe diaspora for our news videos archive, follow us on twitter@zimditvnewsedit and also visit our website: http://www.zimditvnews.com or contact us by email:editor@zimditvnews.com for NEWS tips

Featured Posts
Recent Posts
Follow Us
  • Facebook Basic Square
  • Twitter Basic Square
bottom of page